Now Reading
Chimurenga Chekusimuka: Kana Kuti, Chikonzero Chakaita kuti Vanhu Vafambe Vakati Twasa

Chimurenga Chekusimuka: Kana Kuti, Chikonzero Chakaita kuti Vanhu Vafambe Vakati Twasa

The Upright Revolution 4


Shona

Tendai Huchu

Pasichigare, vanhu vaifamba nemakumbo nemaoko kufanana nemhuka dzose. Vanhu vaimhanya kukunda tsuro, mbada kana zvipembere. Makumbo nemaoko zvaive pedo kupfuura mamwe mapande emuviri: zvaive zvakasikwa zvakafanana; mapendekete nehudyu; magokora namabvi; tsoka nemakumbo zvose zvaiva neminwe mishanu nenzara shanu pachigunwe choga choga. Masikirwo ezvigunwe zvemakumbo nezvemaoko akanga akafanana kubva kuchara cheparuoko chakaita sechigunwe chikuru chepamakumbo, kusvika patugunwe tudikidiki twaiva pamakumbo zvese nepamaoko.

Zvaibatsirana kutakura muviri kwese kwawaida kuenda; kumusika, kuzvitoro, kukwira nekudzika miti namakomo, kwese kwaida kufambwa. Chero mumvura zvaibatsirana kuyangarara, kutuhwina kana kubvocha. Mumagariro avo maive nesungawirirano uye kusadzvanyirirana. Vaigona kukweretana mashandiro emamwe mapato emuviri kunge ruzha rwemuromo, manzwiro enzeve, kunhuhwidza kwemhuno, kana iwo maonero emaziso.

Mafambiro azvo asina kupiringishana akaita kuti mamwe mapato emuviri azarirwe neshanje. Mapato aya akange ogunun’una kukweretesa kwaaiita hunyanzvi hwavo kuhama dzavo. Shanje dzakaita kuti asaone kuti makumbo nemaoko ndizvo zvaiafambisa munyika. Akaronga kuti oita sei nemapatya aya.

Rurimi rwakatora pfungwa dzaHuropi ndokudzishandisa ipapo. Rwakatanga kufunga neruzha nezvesimba raiva mumaoko nemumakumbo. Rwakati ndiri kushaya kuti ndeupi akasimba kupfuura mumwe. Vaviri vaye vaive hama nehama vakakwereta ruzha kubva mumuromo, uyu neuyu achiti ndiye akakosha kumuviri kupfuura mumwe. Zvakakurumidza kusandura kuona kuti ndeupi akanaka kupfuura mumwe; maoko akavhaira nezvigunwe zvake, apawo achisvoropodza zvigunwe zvekumakumbo kuti zvipfupi uye zvakafuta. Zvigunwe zvemumakumbo zvisingadewo kusarira zvakatanga kutsvinyira kuonda kwezvigunwe zvamaoko, hanzi, hama dzine nzara! Zvakaenderera kwemazuva zvichivatadzisa kushanda pamwe. Asi nyaya yainyanyonetsa ndiyo yaive yesimba; vakatarisa kumamwe mativi emuviri kuti atonge.

Rurimi ndiye akati ngapave nemakwikwi. Vose vakabvuma kuti raiva zano rakaisvonaka. Asi chii? Vamwe vakati gumbo neruwoko ngavakakaritsane. Vamwe ndivo vakati kurwisana nemapanga makuru, kupotsera nekubata, mujahwo, kana kutamba mutambo wakaita sechesi kana tsoro, asi zvose zvakangonzi hazvina kururama kune uyo kana uyu. Rurimi zvakare, achikwereta pfungwa kuna Huropi ndiye akauya nemhinduro. Makumbo nemaoko vaizopanana mukana pamamisidzano acho. Vese vakabvumirana.

Makwikwi acho akaitwa musango, pedo nerwizi. Mativi ose emuviri akagadzirira kuti hapana here chaizovakuvadza sezvo ivo vakanga vasisina kugarisana zvakanaka pachavo. Maziso akatarisa kure-kure kuti hapana hutata here, nzeve dzikarodzwa kuitira kunzwa zviri kure, mhuno dzikanyatsovhurika kuti dzigone kunhuhwidza zvainge zvisina kuonekwa nemaziso kana kunzwikwa nenzeve; rurimiwo rwanga rwagadzirira kushevedzera kana kuchema pakaita hutata.

Mhepo ndiyo yakafambisa shoko remakwikwi kumativi mana esango, kumvura nemweya. Mhuka dzemakumbo mana ndidzo dzakatanga kusvika, huru dzaive dzakasenga mapazi ane mashizha kuratidza kuti dzakanga dzauya murugare. Chaiva chaunga chizere vana Mbada, Dindingwe, Shumba, Chipembere, Bere, Nzou, Furiramudenga, Ngamera, Mombe yenyanga huru neNyati yenganga diki, Mhofu, Mhembwe, Tsuro, Nhuta naGonzo. Vemumvura ndivo vaiva Mvuu, Hove, Garwe, vakagara shure mumvura, misoro iri pamahombekombe. Vaya vaifamba nemakumbo maviri ndivo anaMhowani, Hanga, naPikoku vakatambisa mapapiro vabatwa netarisiro; shiri dzikaimba dziri mumiti; Chipembenene chikasweroimba. Buve, Gonye, Mhanimhani, Zongororo zvose zvakagwesha pasi kana mumiti. Rwaivhi akafamba zvinyoro-nyoro, achitora nguva yake, Dzvinyu akamhanya mhanya asingamire panzvimbo imwe. Tsoko, Chimupanzi, naGorira vakasvetuka kubva pabazi rimwe kusvikira rimwe. Chero miti nemasanzu zvaizeya kuno neuko, kukotama, nekumira zvichipanana mukana.

Muromo ndiye akavhura makwikwi nerwiyo:

Tinotamba kuti tifare
Tinotamba kuti tifare
Tinotamba kuti tifare
Nekuti tose
Takabva harirwe imwe

Mawoko neMakumbo vakatsidza kubvuma anenge akunda mune zvakanaka; pasina mhere-mhere, kuramwirana, kuzoramba basa kana kusazoshanda idi.

Maoko ndiwo akatanga makwikwi nekukanda chimuti pasi. Gumbo rekurudyi kana kuruboshwe, kana zvese, zvaifanira kunhonga chimuti ichi nekuchikanda. Makumbo aigona kubatsirana paaidira, kana kushandisa zvigunwe, mumwe nemumwe kana pachake-pachake, chero zvaivashandira pamakwikwi aya. Vakaedza kuchitenderedza, kuchisundira; vakaendza zvose zvavaigona asi vakatadza kunyatsochinhonga: chavakangokwanisa kuchikava chikadonhera padhuze-dhuze. Zvigunwe zvaiona zvakakwereta ruzha kubva kune muromo ndokusekesa. Maoko akavhengedzera kunge aive pamakwikwi echimiro chakanaka, achiratidza hutete hwawo, ndokubva anhonga chimuti chiya akachivhengedzera. Akachikanda kure-kure, mukati mesango, zvakabva zvaita kuti gurusvusvu rose riture befu nokushamiswa. Akaratidza zvaaikwanisa, kunhonga mavhu kubva mundiro yemupunga, kuisa shinda mutsono, kugadzira zvireyi zvekudhonzesa mapuranga makuru, kugadzira mapfumo nekuakanda kure, zvose zvaisagonekwa nemakumbo. Makumbo akangogarapo achiita shanje dzekuoona hunyanzvi hwehama dzavo nhete. Maoko evaiona akaombera kunge mabhanan’ana vachitenda hunyanzvi hwemumwe wavo, izvozvo zvakatsamwisa Makumbo zvikuru. Asi Makumbo haana kubvuma kukurirwa, apozve akagara akafinyama, zvigunwe zvavo zvikuru zvichinyora tumatenderedzwa muvhu, achifunga kuti oita sei kuti akunde.

Pedzezvo, pakasvika mukana wemakumbo nezvigunwe zvawo kuti achitsiva. Vakati zvedu hazvitombonetsa. Hanzi maoko ngaatakure muviri wese kubva kudivi rimwe redenderedzwa, zvichinopindira rimwe divi racho. Zvigunwe zvaivhaira zvakangoti hapana chinonetsa apa. Zvakaitikapo zvainakidza kuona. Muviri wese wakapidigurwa. Maoko ndokubata pasi; maziso aive pedo nejecha asisanyatsogona kuona, huruva ikapinda mumhuno, zvakaita kuti ihotsire; makumbo nezvigunwe zvawo aingotambirawo mudenga: gurusvusvu raiona rakashedzera kuti, nyayo juu, ndokuimba vachiti:

Makumbo mudenga
Hazvina mhosva
Makumbo mudenga
Teverai makumbo
Ngatibhururukei mudenga

Asi chavainyanyotarisa maoko. Zvakatoshamisa kuti vaya vaishamisa nekuratidza hunyanzvi vakanga vasisakwanisi kufamba kana zvishoma. Kungoti fambe-fambe, maoko ndokuchema nokurwadziwa, akati dzedze-dzedze ndokudzedzeruka, kuzeya, ndokudonedza muviri. Akazorora zvishoma ndokuedza zvakare. Zvino akaedza kupatsanura zvigunwe kuti anyatokwanisa kubata pasi, asi zvara chete ndizvo zvakagona kudhadhamuka. Vakaedza chamupidigori asi zvakarambidzwa nekuti zvaireva kuti makumbo ashandiwewo. Zvino yakanga yava nguva yekuti zvigunwe zvemakumbo zvisekewo. Zvakakwereta ruzha rwakakomba kubva kumuromo kuti masekero azvo asaita kunge masekero anenge epwere ezvigunwe. Vachinzwa kusvoropodzwa, maoko akazarirwa nehasha ndokuendza zvakare kunotakura muviri. Haana kana kumbokwanisa nhanho imwe. Zvaneta, maoko nezvigunwe zvakazorora. Makumbo akanikidzwa nekuratidza simba rawo; akatora nguva, akati mhanye pore, nokumhanyisa, akasvetuka mudenga, akatisvetu mberi, asina kanakumbodonhedza muviri. Makumbo evaiona vose akatinha huruva vachiratidza kufara nekubatana. Maoko akasimuka mudenga kuti agunun’une kuti mavara azarevhu, achikanganwa kuti ndiwo akanga atanga nyaya yacho.

Asi vese, zvese nechaunga, vakaona kuti pane chaishamisa chakanga chaitika pamaoko: zvara zvakange zvadhadhamurwa kunze, apo maoko anga achiedza kutakura mutumbi, hazvina kudzokera pedo nezvimwe zvigunwe. Mativi mamwe emuviri akange oda kuseka asi akaona chimwe chinhu; kudhadhamuka kwanga kwaita zvara hakuna kuzvitadzisa kubata basa, zvakatobatsira simba reruoko rekupfumbata nekudzvanya. Ndochii ichocho? Hurema hwava nesimba rine chiremera!

Pakagarwa dare nemativi emuviri kuti aone kuti ndiyani akanga akunda, zvikaenderera kwemazuva mashanu, aiendererana nekuwanda kwezvigunwe paruwoko kana gumbo rimwe. Chero vaedza sei, vakatadza kuwirirana kuti ndiyani akunda; vakaona kuti maoko nemakumbo zvose zvaive nezvazvaigona, hapana chaigona kuzvimirira chega. Vakatanga kubvunzurudzana kuti chiiko chaimbonzi muviri, ndokuona kuti muviri waive iwo vese vakabatana. Bato rese remuviri raifanira kushanda zvakanaka kuti muviri wese ufambe.

Kuti pasaite makwikwi akadai zvakare, uye kuti pasave nemhirizhonga muna mangwana, mapato ese akawirirana kuti muviri ufambe wakati twasa, makumbo akatsika ivhu, maoko ari mudenga. Muviri wakafara nemutongo uyu, asi zvakanzi vana vacheche vakambaire kuita kuti vazive kwavakabva. Vakapatsanurirana mabasa: makumbo aizotakura muviri, asi kana vasvika maoko ndiwo aiita basa rose. Paiita makumbo basa rinorema rekutakura, maoko ndiwo aishandisa hunyanzvi hwekubata bata, achiona kuti chikafu chasvika kumuromo.

Muromo, regai titi mazino, ndiwo aizotsenga, ndokumedza kuti zvipinde mudumbu. Dumbu raitora zvakanaka zvose muchikafu zvichisvinirwa kumuviri wose. Dumbu raizotorawo tsvina yasara, mumuviri wondozvitsveta muminda kana pasipevhu kuti sora ripfume. Miti yaizokurawo yoita michero, maoko otemha mimwe yacho achiisa mumuromo. Ehe, ndiro denderedzwa rehupenyu.

Vakapatsanuriranawo zvekuita chero pamitambo nekumafaro: kuimba, kuseka nekutaura zvakasiiwa kumuromo; kumhanya nenhabvu zvikapihwa makumbo; baseball nebasketball zvikasiirwa maoko, kusara kwepaidiwa kumhanywa. Mumitambo yekumhanya, zvose zvakasiirwa makumbo kunyanya. Kupatsanurirana kwakaitwa mabasa kwakaita muviri wemunhu uve muchina wenyama wakagozha, waitokunda mhuka huru pazvawaikwanisa kuita kunyanya mukuwanda kwazvo nehunyanzvi hwemagadziriro.

Chero zvakadaro, mapato emuviri akaona kuti mutongo uwu waigona kuzounza mhirizhonga muna mangwana. Musoro uri kudenga waigona kuzofunga kuti urinani pane tsoka dzaitsika pasi, kana kuti ndiwo mambo, mapato ari zasi varanda chete. Vakanyatsotsidzira kuti pamasimba, musoro nevari zasi zvakangoenzana. Kuti zvive pachena vakaita kuti kurwadziwa kana kufara kwebato ripi zvaro kunzwiwe nemuviri wese. Vakaraira muromo kuti kana uchiti ichi neicho, uri kutaurira muviri wese, kwete kuzvimiririra.

Vakaimba kambo:

Mumuviri medu
Hapana muranda
Mumuviri medu
Hapana muranda
Tinoita mushandirapamwe
Zvedu ndezvedu
Tinoita mushandirapamwe
Zvedu ndezvedu
Tinoita mushandira pamwe
Rurimi ndirwo izwi redu
Ndibvumbamirewo ndikubvumbamirewo
Toumba muviri unehutano
Ndibvumbamirewo ndikubvumbamirewo
Toumba muviri unehutano
Kubatana ndikokunaka

Toshanda pamwechete
Kuitira muviri une hutano
Toshanda pamwechete
Kuitira muviri une hutano
Simba riri mukubatana

Ndirwo rwakaita rwumbo romuviri wose. Nanhasi muviri unoruimba, uye ndiwo musiyano wevanhu nemhuka, kana kuti avo vakaramba chimurenga chekusimuka.

Asi mhuka dzemakumbo mana, chero dzakaona zvese izvi, dzakaramba kupinda muchimurengawo. Hanzi kuimba hakuna basa. Muromo wakasikirwa kudya kwete kuimba. Ndiwo vakaita bato rechinyakare vakangogara netsika dzavo vachiramba kufamba nenguva.

Kana vanhu vakadzidza kubatana kwemapato emuviri, vanoshongera, asi vakaona musoro nemutumbi kunge mapato ari pahondo, mumwe achirwisa kuve pamusoro, vanodzokera kuita kunge mhuka dzakaramba chimurenga chekusimuka.

~
Edited by Memory Chirere
Read the English translation – The Upright Revolution: Or Why Humans Walk Upright by Ngugi wa Thiong’o


Tendai Huchu’s first novel The Hairdresser of Harare was released in 2010 to critical acclaim, and has been translated into several languages. He is a creative writing PhD student at Manchester University. Between projects, he translates fiction between the Shona and English languages. His new novel is The Maestro, The Magistrate & The Mathematician. Find him @TendaiHuchu or on http://www.tendaihuchu.com

What's Your Reaction?
Excited
0
Happy
0
In Love
0
Not Sure
0
Silly
0
Scroll To Top

Discover more from Jalada Africa

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading